Job 23

Jobho

1Ipapo Jobho akapindura akati:

2“Kunyange nanhasi ndinonyunyuta ndine shungu;
ruoko rwake runondiremera kunyange ndiri pakugomera kwangu.
3Dai chete ndaiziva kwandingamuwana;
dai chete ndaigona kuenda kwaanogara!
4Ndaitaura hangu mhaka yangu pamberi pake,
uye ndaizadza muromo wangu nenharo.
5Ndaizoziva hangu zvaaizondipindura,
uye ndaizocherechedza zvaaizoreva.
6Kuti aizondidzivisa nesimba guru here?
Kwete, haaizondipomera mhaka.
7Ipapo munhu akarurama aigona kuzotaura mhaka yake pamberi pake,
uye ndaizosunungurwa kubva pamutongi wangu nokusingaperi.

8“Asi kana ndikaenda kumabvazuva, iye haako;
kana ndikaenda kumavirira, handimuwani.
9Paanenge ari pabasa nechokumusoro, handimuoni;
paanotsaukira zasi, handikwanisi kumuona.
10Asi iye anoziva nzira yandinofamba nayo;
kana apedza kundiedza, ndichabuda ndava segoridhe.
11Tsoka dzangu dzakanyatsotevera paakatsika;
ndakarambira panzira dzake ndisingambotsaukiri parutivi.
12Handina kumbobva pamirayiro yemiromo yake;
ndakakoshesa mashoko omuromo wake kupfuura chingwa changu chamazuva ose.

13“Asi iye anomira oga, uye ndiani angapikisana naye?
Anoita zvaanoda.
14Anoita zvaakatema pamusoro pangu,
uye urongwa huzhinji hwakadai achinahwo mudura rake.
15Ndokusaka ndichitya pamberi pake;
pandinofunga nezvose izvi, ndomutya.
16Mwari akaita kuti mwoyo wangu unete;
Wamasimba Ose akandivhundutsa.
17Kunyange zvakadaro rima harina kuita kuti ndinyarare,
iro rima guru rinofukidza chiso changu.
Copyright information for SnaBDSC